Psalms 133

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1Zvakanaka uye zvinofadza sei
kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!
2Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro,
anoerera kundebvu,
anoerera kundebvu dzaAroni,
anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.
3Zvinoita sokuti dova reHerimoni
riri kuwira pamusoro peGomo reZioni.
Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha,
ihwo upenyu husingaperi-peri.
Copyright information for SnaBDSC